Ipai, Jehovha, imi vanakomana vaMwari, Ipai Jehovha kudzo nesimba. Ipai Jehovha kudzo yakafanirwa nezita rake; Namatai kuna Jehovha nenguo tsvene. Izwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji; Mwari wokubwinya unotinhira, Iye Jehovha ari pamusoro pemvura zhinji-zhinji, Izwi raJehovha rine simba; Izwi raJehovha rizere noumambo. Izwi raJehovha rinovhuna misidhari; Zvirokwazvo, Jehovha anovhunanya misidhari yeRebhanoni. Anoipemberesa semhuru; Iro Rebhanoni neSirioni semhuru yenyati. Izwi raJehovha rinopamura mirazvo yomoto. Izwi raJehovha rinodederesa renje; Jehovha anodederesa renje reKadheshi. Izwi raJehovha rinoberekesa nondo, Rinosvuura miti yamatondo; Nomutemberi yake zvose zvinoti, “Kubwinya.” Jehovha akagara pachigaro chohushe paboporodzi remvura; Zvirokwazvo, Jehovha anogara ari mambo nokusingaperi. Jehovha achapa vanhu vake simba; Jehovha acharopafadza vanhu vake norugare.
Verenga chikamu Mapisarema 29
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 29:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo