Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 29

29
Izwi raJehovha
1Ipai, Jehovha, imi vanakomana vaMwari,
Ipai Jehovha kudzo nesimba.
2Ipai Jehovha kudzo yakafanirwa nezita rake;
Namatai kuna Jehovha nenguo tsvene.
3Izwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji;
Mwari wokubwinya unotinhira,
Iye Jehovha ari pamusoro pemvura zhinji-zhinji,
4Izwi raJehovha rine simba;
Izwi raJehovha rizere noumambo.
5Izwi raJehovha rinovhuna misidhari;
Zvirokwazvo, Jehovha anovhunanya misidhari yeRebhanoni.
6Anoipemberesa semhuru;
Iro Rebhanoni neSirioni semhuru yenyati.
7Izwi raJehovha rinopamura mirazvo yomoto.
8Izwi raJehovha rinodederesa renje;
Jehovha anodederesa renje reKadheshi.
9Izwi raJehovha rinoberekesa nondo,
Rinosvuura miti yamatondo;
Nomutemberi yake zvose zvinoti,
“Kubwinya.”
10Jehovha akagara pachigaro chohushe
paboporodzi remvura;
Zvirokwazvo, Jehovha anogara ari
mambo nokusingaperi.
11Jehovha achapa vanhu vake simba;
Jehovha acharopafadza vanhu vake norugare.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 29: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMapisarema 29

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika