Ipai TENZI mbiri imi vokudenga ipai TENZI mbiri nesimba. Ipai TENZI mbiri yezita rake gwadamirai TENZI anechiremera chinoera. Izwi raTENZI rinonzwika pamusoro pemvura. Mwari wembiri anotinhira TENZI ari pamusoro pemvura zhinji. Izwi raTENZI rine simba, izwi raTENZI rizere nechiremera. Izwi raTENZI rinotyora miti yomusidhari izwi raTENZI rinotyora misidhari yokuRebhanoni. Anoita kuti Rebhanoni, semhuru, iite chamurambamhuru uye Sirioni iite sechigondora chikono. Izwi raTENZI rinovaima moto. Izwi raTENZI rinondengendetsa renje, izwi raTENZI rinondengendetsa renje rokuKadheshi. Izwi raTENZI rinozunza mioku rinokwazhaura masango uye mutemberi yake vose vanodaidzira kuti, “Mbiri!” TENZI anogara samambo pamusoro pamafashamo emvura. TENZI anogara samambo pachigaro chake nokusingaperi. Dai TENZI angopa simba kuvanhu vake. Dai TENZI angopa vanhu vake chikomborero chorugare.
Verenga chikamu Nziyo 29
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 29:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo