Jehovha ndiye mufudzi wangu; Hapana chandingashaiwa. Anondivatisa pasi pamafuro manyoro; Anondisesedza pamvura inozorodza. Anoponesa mweya wangu; Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake. Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni; Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu; Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka.
Verenga chikamu Mapisarema 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 23:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo