Mapisarema 23
23
Jehovha mufudzi wangu
Pisarema raDhavhidhi.
1Jehovha ndiye mufudzi wangu;
Hapana chandingashaiwa.
2Anondivatisa pasi pamafuro manyoro;
Anondisesedza pamvura inozorodza.
3Anoponesa mweya wangu;
Anondifambisa panzira dzokururama
nokuda kwezita rake.
4Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba
mumupata womumvuri worufu,
Handingatongotyi zvakaipa;
nokuti imi muneni;
Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
5Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu;
Makazodza musoro wangu namafuta;
mukombe wangu unopfachuka.
6Zvirokwazvo unyoro nenyasha
zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu;
Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 23: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002