Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako, Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako, Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako. Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsimwaira; Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi.
Verenga chikamu Zvirevo 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 6:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo