Zvirevo 6:1-5
Zvirevo 6:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe, kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako, ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako! Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira. Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi.

Zvirevo 6:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako, Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako, Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako. Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsimwaira; Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi.
Zvirevo 6:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu ukati ndiwe wokumiririra chikwereti chomumwe uchitsidza panzvimbo pomumwe, kana wateewa mukutaura kwomuromo wako wabatwa mumazwi omuromo wako zvaunofanira kuita ndezvizvi, mwanangu, kuitira kuti uzvinunure nokuti unenge watowira mumaoko omumwe wako. Enda uzvirereke utadzise mumwe wako iyeyo kudya rinopisa. Usambobvuma zvako kuti meso ako abatwe nehope kana kutsomwaira nehope. Zvinunure semhara kumuvhimi kana seshiri mumaoko omutei weshiri.
Zvirevo 6:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, kana uciŋge wakaɀiitira wokwako ruɓatso, Waɀisuŋga nokuɗa kwomutorwa noruʋoko rwako, Waɀiteya namashoko omuromo wako, Waɓatwa namashoko omuromo wako, Ɀino ita kuɗai, mŋanakomana waŋgu, uɀirwire, Ɀawaɓatwa noruʋoko rwowokwako: Enda, undoɀininipisa, ukumbire ɀikuru kunowokwako. Usatendera meso ako hope, Kana mafuŋgiro ameso ako kutsimŋaira; Uɀirwire semhara paruʋoko rwomuvimi, Seshiri paruʋoko rwomuteyi.
Zvirevo 6:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)