Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 33:40-56

Numeri 33:40-56 SNA2002

Zvino mambo weAradhi, muKenani, wakanga agere kurutivi rweZasi munyika yeKenani, akanzwa kuti vana vaIsiraeri vouya. Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona. Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni. Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti. Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye‐aBharimi, pamuganhu weMoabhu. Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni‐gadhi. Vakasimuka paDhibhoni‐gadhi, vakandodzika paArimoni‐dhibhurataimi. Vakasimuka paArimoni‐dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho. Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko. Vakadzika matende avo paJorodhani, kubva paBhetijeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu. Zvino Jehovha akataura naMosesi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mayambuka Jorodhani, mukasvika munyika yeKenani, munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira. Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nokuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu. Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu. Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, neseminzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemi munyika mamugere. Ipapo ndichakutirai imi sezvandakafunga kuvaitira ivo.’ ”

Verenga chikamu Numeri 33