Numeri 33:40-56
Numeri 33:40-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya. Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona. Vakabva paZarimona vakandodzika misasa paPunoni. Vakabva paPunoni vakandodzika misasa paObhoti. Vakabva paObhoti vakandodzika misasa paIye Abharimi, pamuganhu weMoabhu. Vakabva paIyimi vakandodzika misasa paDhibhoni Gadhi. Vakabva paDhibhoni Gadhi vakandodzika misasa paArimoni Dhibhurataimi. Vakabva paArimoni Dhibhurataimi vakandodzika misasa mumakomo eAbharimi, pedyo neNebho. Vakabva pamakomo eAbharimi vakandodzika misasa pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko. Pamapani eMoabhu ipapo vakadzika misasa vakatevedza Jorodhani kubva kuBheti Jeshimoti kusvikira kuAbheri Shitimu. Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani, mudzinge vose vanogara munyika imomo pamberi penyu. Muparadze zvifananidzo zvavo zvose zvakavezwa nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa, uye muputse nzvimbo dzose dzakakwirira. Mutore nyika iyo mugaremo, nokuti ndakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Mugovere nyika nomujenya, maererano nemhuri dzenyu. Mupe vakawanda nhaka huru, uye vashoma muvapewo nhaka duku. Zvose zvichawira kwavari nomujenya zvinofanira kuva zvavo. Muigove zviri maererano namarudzi amadzitateguru enyu. “ ‘Asi kana mukasadzinga vagere munyika iyi, vamunotendera kusara ivavo vachava rukato pamberi penyu neminzwa pamativi enyu. Vachakutambudzai munyika mamugere. Ipapo ndichakuitirai imi zvandakaronga kuvaitira ivo.’ ”
Numeri 33:40-56 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo weAradhi, muKenani, wakanga agere kurutivi rweZasi munyika yeKenani, akanzwa kuti vana vaIsiraeri vouya. Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona. Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni. Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti. Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye‐aBharimi, pamuganhu weMoabhu. Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni‐gadhi. Vakasimuka paDhibhoni‐gadhi, vakandodzika paArimoni‐dhibhurataimi. Vakasimuka paArimoni‐dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho. Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko. Vakadzika matende avo paJorodhani, kubva paBhetijeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu. Zvino Jehovha akataura naMosesi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mayambuka Jorodhani, mukasvika munyika yeKenani, munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira. Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nokuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu. Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu. Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, neseminzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemi munyika mamugere. Ipapo ndichakutirai imi sezvandakafunga kuvaitira ivo.’ ”
Numeri 33:40-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo Aradhi worudzi rwavaKanani aigara kuNegevhu munyika yeKanani akanzwa zvokuuya kwavaIsiraeri. VaIsiraeri vakabva kugomo reHoru vondodzika matendhe avo vava Zarimona. Vakabva Zarimona vondodzika matendhe avo vava kuPunoni. Vakazobva Punoni vakazodzika matendhe avo kuObhoti. Vakabvawo kuObhoti vondodzika matendhe avo kuIyeabharimu kumuganho neMoabhu. Vakazobvawo paIyimu ndokundodzika matendhe avo vava Dhibhonigadhi. Ndokubva paDhibhonigadhi vakazondodzika matendhe avo vava Arumonidhibhurataimu. Ndokuzobva Arumonidhibhurataimu vakandodzika matendhe avo vava kumakomo eAbharimu munyasi megomo reNebho. Vakabva pamakomo eAbharimu vondodzika matendhe avo mumapani eMoabhu munyasi maJorodhani, kuJeriko. Vakazodzika matendhe avo munyasi maJorodhani kubvira kuBhetihejeshimoti kusvikira kuAbheroshitimu mumapani eMoabhu imomo. Mumapani eMoabhu imo munyasi maJorodhani kuJeriko, Tenzi akataurira Mosesi zvokuita achiti, “Taurira vaIsiraeri uti kwavari, kana mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yeKanani, munofanira kudzinganisa vagari vemo, mupwanye zvimifananidzo zvavakazvigadzirira zvamabwe nezvifananidzo zvavo zvesimbi, mupaze nzvimbo dzavo dzemipiro dzavakavakira pakatunhumara. Torai nyika iyoyo mugaremo nokuti ndakupai nyika iyoyo kuti ive yenyu. Muchagovana nyika iyoyo nechin'ange dzinza nedzinza, muchipa nyika huru kune vakawanda, diki kuna vashoma. Nzvimbo inenge yapiwa munhu nechin'ange ndiyo ichava yake. Muchagovana nyika dzinza nedzinza vanhu nedzinza rababa wavo. Asi kana mukasadzinganisa vagari vemo vachakufurusai sechinhoi muziso vachiva sekabayo komunzwa parutivi. Vachakuonesai nhamo munyika yamuchange mugere. Ipapo zvandinofunga kuita kwavari ndizvo zvandichaita kwamuri.”
Numeri 33:40-56 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo weAradi, muKanani, wakaŋga agere kurutiʋi rweZasi munyika yeKanani, akanzwa kuti ʋana ʋaIsraeri ʋoʋuya. Ʋakasimuka pagomo reHori, ʋakandodzika matente aʋo paZarmona. Ʋakasimuka paZarmona, ʋakandodzika paPunoni. Ʋakasimuka paPunoni, ʋakandodzika paOboti. Ʋakasimuka paOboti, ʋakandodzika paIye‐abarimi, pamuganhu weMoabi. Ʋakasimuka paIyimi, ʋakandodzika paDiboni‐gadi. Ʋakasimuka paDiboni‐gadi, ʋakandodzika paArmoni‐dibrataimi. Ʋakasimuka paArmoni‐dibrataimi, ʋakandodzika paAbarimi, pamberi peNebo. Ʋakasimuka pamakomo eAbarimi, ʋakandodzika pamapani eMoabi, paJoridani paJeriko. Ʋakadzika matente aʋo paJoridani, kubva paBeti‐jeshimoti kuȿika paAberishitimi, pamapani eMoabi. Ɀino Jehova akataura naMosesi pamapani eMoabi, paJoridani paJeriko, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mayambuka Joridani, mukaȿika munyika yeKanani, munofanira kudziŋga ʋanhu ʋose ʋagere munyika pamberi penyu, nokuparadza ɀifananidzo ɀaʋo ɀamabge, nokuparadza ɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋumbga, nokuputsa nɀimbo dzaʋo dzakakwirira. Munofanira kutora nyika, iʋe yenyu, mugare’mo; nokuti ndakakupai nyika iyo, iʋe yenyu. Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; ʋazhinji munofanira kuʋapa nhaka zhinji, ʋashoma munofanira kuʋapa nhaka shoma; seɀaakagoʋerwa nemijenya, saiɀoɀo inofanira kuʋa nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadziɓaɓa enyu. Asi kana musiŋgaɗi kudziŋga ʋanhu ʋagere munyika pamberi penyu, ipapo iʋo kwaʋari ʋamunorega ʋacaʋa secinhu cinoɓaya pameso enyu, neseminzwa panhiʋi dzenyu, ʋacarwa nemi munyika mamugere. Ipapo ndicakuitirai imi seɀandakafuŋga kuʋaitira iʋo.
Numeri 33:40-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)