Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 5:1-12

Nehemiya 5:1-12 SNA2002

Zvino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati pavanhu navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha. Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana vedu tiri vazhinji; ngatipiwe zviyo, tidye, tirarame.” Vamwezve vakati, “Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemidzambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.” Vamwezve vakati, “Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemidzambiringa. “Kunyange zvakadaro zvino miviri yedu yakafanana nemiviri yehama dzedu, navana vedu vakafanana navana vavo; tarirai, tosunga vanakomana vedu navakunda vedu, vave varanda; vamwe vakunda vedu vatosungwa, isu hatine simba rokuzvidzivisa, nokuti minda yedu neminda yedu yemidzambiringa yatova yavamwe.” Ipapo ndakatsamwa kwazvo ndichinzwa kuchema kwavo namashoko iwayo. Zvino ndarangarira mumwoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, “Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake.” Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo. Ndikati kwavari, “Isu takadzikinura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here?” Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose. Ndikatiwo, “Chinhu chamunoita chakaipa; ko hamufaniri kufamba muchitya Mwari wedu, kuti tirege kushorwa navavengi vedu vahedheni? Neniwo nehama dzangu navaranda vangu, takavapa chikwerete chemari nezviyo, tichireva mhindu. Haiwa, ngatirege mhindu iyo. “Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemidzambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, wamakatora kwavari iri mhindu.” Ipapo vakati, “Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita.” Zvino ndakadana vapristi, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.

Verenga chikamu Nehemiya 5