Nehemiya 5
5
Nehemiya anobatsira varombo
1Zvino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati pavanhu navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha. 2Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana vedu tiri vazhinji; ngatipiwe zviyo, tidye, tirarame.”
3Vamwezve vakati, “Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemidzambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.”
4Vamwezve vakati, “Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemidzambiringa.
5“Kunyange zvakadaro zvino miviri yedu yakafanana nemiviri yehama dzedu, navana vedu vakafanana navana vavo; tarirai, tosunga vanakomana vedu navakunda vedu, vave varanda; vamwe vakunda vedu vatosungwa, isu hatine simba rokuzvidzivisa, nokuti minda yedu neminda yedu yemidzambiringa yatova yavamwe.”
6Ipapo ndakatsamwa kwazvo ndichinzwa kuchema kwavo namashoko iwayo. 7Zvino ndarangarira mumwoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, “Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake.” Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo. 8Ndikati kwavari, “Isu takadzikinura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here?” Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.
9Ndikatiwo, “Chinhu chamunoita chakaipa; ko hamufaniri kufamba muchitya Mwari wedu, kuti tirege kushorwa navavengi vedu vahedheni? 10Neniwo nehama dzangu navaranda vangu, takavapa chikwerete chemari nezviyo, tichireva mhindu. Haiwa, ngatirege mhindu iyo.
11“Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemidzambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, wamakatora kwavari iri mhindu.”
12Ipapo vakati, “Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita.” Zvino ndakadana vapristi, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa. 13Ndikazuzawo nguo dzangu, ndikati, “Mwari ngaazuze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni!” Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.
14Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati. 15Asi vabati vokutanga, vakanditangira, vairemedza vanhu, vachitora kwavari zvokudya newaini, uyewo mashekeri esirivha ana makumi mana; navaranda vavowo vaibata vanhu nehasha; asi ini handina kuita saizvozvo, nokuti ndakatya Mwari. 16Uye, ndakarambira pabasa rorusvingo urwu, hatina kutongotenga nyika, navaranda vangu vose vakanga vakaunganawo pabasa. 17Uye patafura yangu pakanga pana vaJudha navabati, varume vane zana namakumi mashanu, avo vaiuya kwatiri vachibva kuvahedheni vakanga vakatipoteredza vasingaverengwi. 18Zvino zuva rimwe nerimwe kwaigadzirwa nzombe imwe, namakwai matanhatu akatsaurwa; ndaigadzirirwawo huku, uye kamwe pamazuva ane gumi waini zhinji yamarudzi ose; kunyange zvakadaro handina kukumbira zvokudya zvomubati, nokuti vanhu ava vakanga vachiremedzwa kwazvo nouranda.
19Ndirangarirei, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka nokuda kwezvose zvandakaitira rudzi urwu.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002