Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 8:31-33

Mako 8:31-33 SNA2002

Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokuraswa navakuru, navapristi vakuru, navanyori, aurawe, amukezve mazuva matatu apfuura. Akataura shoko iro pachena. Zvino Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumutsiudza. Asi iye akatendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petirosi, akati, “Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”

Verenga chikamu Mako 8