Mako 8
8
Vane zviuru zvina vanopiwa zvokudya naJesu
(Mateu 15:32-39)
1Namazuva iwayozve kwakanga kunavazhinji zhinji, vakanga vasina zvavangadya, akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, 2“Ndine tsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. 3Kana ndikavaendesa kumusha kwavo vane nzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.”
4Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaari, “Munhu angawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?”
5Akavabvunza, akati, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.”
6Zvino akarayira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji. 7Uye vakanga vane hove duku shomanene; zvino akatenda, Mwari akati zviiswewo pamberi pavo. 8Vakadya, vakaguta, ndokuunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe. 9Vanenge vaiva zviuru zvina; akavaendesa. 10Pakarepo akapinda muigwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDharimanuta.
Jesu anoramba kuratidza chiratidzo
(Mateu 12:38-42; 16:1-4)
11Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuedza.
12Akagomera zvikuru mumweya make, akati “Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.”
13Ipapo akavasiya, akapindazve muigwa, akayambukira mhiri.
Jesu anodudzira shoko rembiriso yavaFarisi
(Mateu 16:5-12)
14Vakanga vakanganwa kutora zvingwa muigwa; vakanga vasina zvingwa muigwa, asi chimwe bedzi. 15Zvino akavarayira, akati, “Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarisi nembiriso yaHerodhi.”
16Vakarangana vakati, “Anodaro nokuti hatine zvingwa.”
17Zvino Jesu akati achizviziva, akati kwavari, “Munorangana nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu here? 18Zvamuna meso, hamuoni here? Zvamune nzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here? 19Musi wandakamedurira vane zviuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.”
20“Nomusi wandakamedurira vane zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu?” Vakati, “Manomwe.”
21Akati kwavari, “Ko hamunzwisisi nazvino here?”
Jesu anosvinudza bofu paBhetisaidha
22Zvino vakasvika Bhetisaidha; vakauya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate. 23Akabata ruoko rwebofu, akariisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pamaziso aro, akaisa maoko pamusoro pake, akamubvunza achiti, “Unoona chinhu here?”
24Iye akatarira, akati, “Ndinoona vanhu, ndinovaona vachifamba vakafanana nemiti.” 25Zvino akaisazve maoko pamusoro pamaziso aro, iye akatarisisa, akaporeswa, akaona zvose zvakanaka. 26Akamuendesa kumba kwake akati, “Usatongopinda mumusha.”
Petirosi anopupura kuti Jesu ndiye Kristu
(Mateu 16:13-20; Ruka 9:18-21)
27Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari, “Vanhu vanoti ndini aniko?”
28Vakapindura vachiti kwaari, “Vamwe vanoti, ‘Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria, vamwezve mumwe wavaporofita.’ ”
29Zvino akavabvunza, akati, “Ko imi munoti ndini ani?” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Ndimi Kristu.”
30Akavarayira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvo nezvake.
31Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokuraswa navakuru, navapristi vakuru, navanyori, aurawe, amukezve mazuva matatu apfuura. 32Akataura shoko iro pachena. Zvino Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumutsiudza.
33Asi iye akatendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petirosi, akati, “Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”
Kutevera Jesu
(Mateu 16:24-28; Ruka 9:23-27)
34Zvino akadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. 35Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweVhangeri, achahuponesa.
36“Nokuti munhu achagobatsirweiko, kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? 37Nokuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? 38Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 8: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002