Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 8:22-38

Mako 8:22-38 SNA2002

Zvino vakasvika Bhetisaidha; vakauya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate. Akabata ruoko rwebofu, akariisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pamaziso aro, akaisa maoko pamusoro pake, akamubvunza achiti, “Unoona chinhu here?” Iye akatarira, akati, “Ndinoona vanhu, ndinovaona vachifamba vakafanana nemiti.” Zvino akaisazve maoko pamusoro pamaziso aro, iye akatarisisa, akaporeswa, akaona zvose zvakanaka. Akamuendesa kumba kwake akati, “Usatongopinda mumusha.” Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari, “Vanhu vanoti ndini aniko?” Vakapindura vachiti kwaari, “Vamwe vanoti, ‘Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria, vamwezve mumwe wavaporofita.’ ” Zvino akavabvunza, akati, “Ko imi munoti ndini ani?” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Ndimi Kristu.” Akavarayira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvo nezvake. Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokuraswa navakuru, navapristi vakuru, navanyori, aurawe, amukezve mazuva matatu apfuura. Akataura shoko iro pachena. Zvino Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumutsiudza. Asi iye akatendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petirosi, akati, “Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.” Zvino akadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweVhangeri, achahuponesa. “Nokuti munhu achagobatsirweiko, kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? Nokuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.”

Verenga chikamu Mako 8