Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 8:22-38

Mako 8:22-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomurume akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate. Akabata murume akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?” Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.” Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka. Jesu akamuendesa kumba achiti, “Usapinda mumusha.” Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?” Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi; vamwe vanoti Eria; vamwezve vanoti mumwe wavaprofita.” Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.” Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake. Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve. Akataura pachena pamusoro pazvo, uye Petro akaenda naye parutivi akatanga kumutsiura. Asi Jesu akati atendeuka akatarira kuvadzidzi vake, akatsiura Petro achiti, “Enda shure kwangu, Satani! Iwe hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako, asi zvinhu zvavanhu.” Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa. Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Kana munhu achinyadziswa neni uye namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadziswawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 8

Mako 8:22-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vakasvika Bhetisaidha; vakauya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate. Akabata ruoko rwebofu, akariisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pamaziso aro, akaisa maoko pamusoro pake, akamubvunza achiti, “Unoona chinhu here?” Iye akatarira, akati, “Ndinoona vanhu, ndinovaona vachifamba vakafanana nemiti.” Zvino akaisazve maoko pamusoro pamaziso aro, iye akatarisisa, akaporeswa, akaona zvose zvakanaka. Akamuendesa kumba kwake akati, “Usatongopinda mumusha.” Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari, “Vanhu vanoti ndini aniko?” Vakapindura vachiti kwaari, “Vamwe vanoti, ‘Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria, vamwezve mumwe wavaporofita.’ ” Zvino akavabvunza, akati, “Ko imi munoti ndini ani?” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Ndimi Kristu.” Akavarayira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu izvozvo nezvake. Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji nokuraswa navakuru, navapristi vakuru, navanyori, aurawe, amukezve mazuva matatu apfuura. Akataura shoko iro pachena. Zvino Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumutsiudza. Asi iye akatendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petirosi, akati, “Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.” Zvino akadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweVhangeri, achahuponesa. “Nokuti munhu achagobatsirweiko, kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? Nokuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 8

Mako 8:22-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vakazosvika kuBhetisaidha, vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari bofu. Vakakumbira Jesu kuti amubate. Akamubata ruoko oenda naye kunze kwomusha. Akapfira mate pamaziso ake, akaisa maoko ake paari ndokumubvunza kuti, “Pane chaunoona here?” Akatarisa akati, “Ndiri kuona vanhu asi vanotarisika semiti iri kufamba.” Akaisazve maoko ake pamaziso pake, iye ndokuramba akangoti ndee kutarisisa, ndokubva aporeswa. Akabva avakuona zvakanaka zvinhu zvose. Jesu akamuendesa kumba kwake achiti, “Usamboenda zvako nomumusha umu.” Jesu akaenda navadzidzi vake kumisha yokuSezariafiripi. Vachiri munzira, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti ndini ani?” Vakamupindura vachiti, “Johani Muombeki, vamwewo vanoti, ndiEriya, vamwewo vachiti, mumwe wavaporofita.” Akazovabvunza achiti, “Ko imi, munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Imi ndimi Kristu chaiye.” Jesu akatsindidza kuti vasambozviudza ani naani zvake nezvake. Akazotangisa kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru, agorambwa navakuru vakuru, navapristi vakuru, nenyanzvi dzoMutemo, ozouraiwa; asi agomukazve mushure memazuva matatu. Akataura izvi pachena. Ipapo Pita akamutora parutivi ndokutanga kumutsiudza. Jesu akatendeuka akaona vadzidzi vake ndokubva atsiudza Pita achiti, “Ndibvirepo, Satani womunhu! Mafungiro akadai haasi aMwari asi avanhu.” Akazodaidza chita chavanhu pamwechete navadzidzi vake akati kwavari, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka achahuponesa. Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvose zvapasi pose asi iye achirasikirwa noupenyu hwake? Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake? Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 8

Mako 8:22-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋakaȿika Betsaida; ʋakaʋuya neɓofu, ʋakakumbira ɀikuru kwaari, kuti amunyaŋgate. Akaɓata ruʋoko rweɓofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate mumeso ake, akaisa maʋoko pamsoro pake, akamubvunza aciti: Unoʋona cinhu here? Iye akatarira, akati: Ndinoʋona ʋanhu, ndinoʋaʋona ʋacifamba ʋakafanana nemiti. Ɀino akaisa ɀe maʋoko pamsoro pameso ake, iye akatarisisa, akaporeswa, akaʋona ɀose ɀakanaka. Akamuendisa kumba kwake akati: Usatoŋgopinda mumusha. Ɀino Jesu naʋadzidzi ʋake ʋakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza ʋadzidzi ʋake akati kwaʋari: Ʋanhu ʋanoti ndini aniko? Ʋakapindura ʋaciti kwaari: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe, Eria, ʋamŋe ɀe, mumŋe waʋaprofita. Ɀino akaʋabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu. Akaʋaraira ɀikuru kuti ʋarege kuziʋisa munhu iɀoɀo ɀake. Ɀino akataŋga kuʋadzidzisa kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kutambudzika ɀizhinji nokurashwa naʋakuru, naʋaprista ʋakuru, naʋanyori, aʋurawe, amuke ɀe mazuʋa matatu apfuʋura. Akataura shoko iro pacena. Ɀino Petro akaenda naye ʋari ʋoga, akataŋga kumuraira. Asi iye wakatendeʋuka, ndokutarira ʋadzidzi ʋake, akaraira Petro, akati: Ibva shure kwaŋgu, Satani, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu. Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake, anditeʋere. Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi aninani unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu nokweEvaŋgeri, ucabguponesa. Nokuti munhu ucagoɓatsirweiko, kana awana nyika yose, akarashikirwa noʋupenyu bgake? Nokuti munhu ucaripeiko kuti adzikinure ʋupenyu bgake? Nokuti aninani unonyara pamsoro pamashoko aŋgu parudzi urwu rwoʋupombge nokutadza, Mŋanakomana womunhu ucanyara ʋo pamsoro pake, musi waanoʋuya nokubginya kwake naƂaɓa ʋake naʋatumŋa ʋatȿene.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 8

Mako 8:22-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)