Vakazosvika kuBhetisaidha, vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari bofu. Vakakumbira Jesu kuti amubate. Akamubata ruoko oenda naye kunze kwomusha. Akapfira mate pamaziso ake, akaisa maoko ake paari ndokumubvunza kuti, “Pane chaunoona here?” Akatarisa akati, “Ndiri kuona vanhu asi vanotarisika semiti iri kufamba.” Akaisazve maoko ake pamaziso pake, iye ndokuramba akangoti ndee kutarisisa, ndokubva aporeswa. Akabva avakuona zvakanaka zvinhu zvose. Jesu akamuendesa kumba kwake achiti, “Usamboenda zvako nomumusha umu.”
Jesu akaenda navadzidzi vake kumisha yokuSezariafiripi. Vachiri munzira, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti ndini ani?” Vakamupindura vachiti, “Johani Muombeki, vamwewo vanoti, ndiEriya, vamwewo vachiti, mumwe wavaporofita.” Akazovabvunza achiti, “Ko imi, munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Imi ndimi Kristu chaiye.” Jesu akatsindidza kuti vasambozviudza ani naani zvake nezvake.
Akazotangisa kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru, agorambwa navakuru vakuru, navapristi vakuru, nenyanzvi dzoMutemo, ozouraiwa; asi agomukazve mushure memazuva matatu. Akataura izvi pachena. Ipapo Pita akamutora parutivi ndokutanga kumutsiudza. Jesu akatendeuka akaona vadzidzi vake ndokubva atsiudza Pita achiti, “Ndibvirepo, Satani womunhu! Mafungiro akadai haasi aMwari asi avanhu.”
Akazodaidza chita chavanhu pamwechete navadzidzi vake akati kwavari, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka achahuponesa. Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvose zvapasi pose asi iye achirasikirwa noupenyu hwake? Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake? Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.”