Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 9:28-36

Ruka 9:28-36 SNA2002

Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera. Zvino akati achinyengetera, uso hwake hwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya. Zvino tarira, varume vaviri, vanaMosesi naEria, vakaonekwa vachitaurirana naye. Vakaonekwa vachibwinya, vakataura zvokuenda kwake, kwaakanga ondopedzisa muJerusaremu. Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye. Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.” Akati achataura izvozvo, gore rikauya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore. Ipapo izwi rakabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu, mumunzwei!” Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona.

Verenga chikamu Ruka 9