Ruka 9:28-36
Ruka 9:28-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera. Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni. Varume vaviri, Mozisi naEria, vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema. Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye. Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva. Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore. Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.” Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.
Ruka 9:28-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera. Zvino akati achinyengetera, uso hwake hwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya. Zvino tarira, varume vaviri, vanaMosesi naEria, vakaonekwa vachitaurirana naye. Vakaonekwa vachibwinya, vakataura zvokuenda kwake, kwaakanga ondopedzisa muJerusaremu. Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye. Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.” Akati achataura izvozvo, gore rikauya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore. Ipapo izwi rakabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu, mumunzwei!” Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona.
Ruka 9:28-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata. Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo. Ndiye pakarepo varume vaviri, Mosesi naEriya vakanga vava kutaura naye, kutarisika kwavo kwaipenya. Vaitaura nezvokutisiya kwake kwaaizozadzisa kuJerusaremu. Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye. Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura. Paaitaura izvi, gore rakauya rikavafukidza vakabatwa nokutya pavaipinda mugore iroro. Izwi rakabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu musarudzwa wangu, munzwei.” Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona.
Ruka 9:28-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuʋa aneŋge masere, akatora Petro naJohane naJakobo, akakwira mugomo kundonyeŋgetera. Ɀino wakati acinyeŋgetera, mugarire weciso cake ukashanduka, ŋguʋo dzake dzikacena dzikapenya. Ɀino tarira, ʋarume ʋaʋiri, ʋanaMosesi naEria, ʋakaʋonekwa ʋacitaurirana naye. Ʋakaʋonekwa ʋacibginya, ʋakataura ɀokuenda kwake, kwaakaŋga ondopedzisa paJerusarema. Ɀino Petro, naʋaiʋa naye, ʋakaŋga ʋaɓatwa nehope; asi ʋakati ʋacipepuka, ʋakaʋona kubginya kwake, naʋarume ʋaʋiri ʋamire naye. Ɀino ʋakati ʋoparadzana naye, Petro akati kunaJesu: Tenzi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria, asiŋgaziʋi ɀaanoreʋa. Wakati acataura iɀoɀo, gore rikaʋuya, rikaʋafukidza; ʋakatya ʋacipinda mugore. Ipapo inzwi rakabva mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu, musanaŋgurwa waŋgu, mumunzwei! Inzwi rakati raenda, Jesu akaʋonekwa ari oga. Ʋakanyarara, ʋakasaʋudza munhu namazuʋa iwayo cinhu cimŋe caʋakaŋga ʋaʋona.
Ruka 9:28-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)