Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 9:1-36

Ruka 9:1-36 SNA2002

Zvino akaunganidza vane gumi navaviri, akavapa simba nechiremera pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa kurwara. Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nokuporesa. Akati kwavari, “Musatongotora zvomunzira, kana mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari; musava nenguo mbiri. Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugozobvapo. Uye vose vasingakugamuchirii, kana mobva paguta iro, muzunze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.” Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza Vhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose. Zvino ishe Herodhi, akanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johani akamuka kuvakafa; Vamwe kuti Eria aonekwa; navamwezve, kuti mumwe wavaporofita vekare amuka. Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro; zvino ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akatsvaka kumuona. Vapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Bhetisaidha. Zvino vanhu vazhinji vachizviziva, vakamutevera; akavagamuchira, akavaudza zvoushe hwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa. Zuva rakati rovira, vane gumi navaviri vakauya, vakati kwaari, “Endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagareko, vawane zvokudya; nokuti pano tiri murenje.” Asi iye akati kwavari, “Muvape imi, vadye.” Vakati, “Isu hatine nezvingwa zvingapfuura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu vose zvokudya.” Nokuti vaiva varume vanenge zviuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu” Vakaita kudaro, vakavagarisa vose. Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu vazhinji. Vakadya, vakaguta vose; vakaunganidza zvimedu zvavakanga vasarirwa nazvo, matengu ane gumi namaviri. Zvino akati achinyengetera ari oga, vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?” Vakapindura, vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi;” vamwe, “Eria; vamwezve, kuti mumwe wavaporofita vekare amuka.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu waMwari.” Akavaudza zvikuru, nokuvarayira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo; achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji, nokuraswa navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswa nezuva retatu.” Zvino akati kuna vose, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere. “Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuponesa. Nokuti munhu achabatsirweiko, kana awana nyika yose, akazvirasa nokuzvitadzira? “Nokuti ani naani anonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake musi waanouya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazofi, vasati vaona ushe hwaMwari.” Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera. Zvino akati achinyengetera, uso hwake hwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya. Zvino tarira, varume vaviri, vanaMosesi naEria, vakaonekwa vachitaurirana naye. Vakaonekwa vachibwinya, vakataura zvokuenda kwake, kwaakanga ondopedzisa muJerusaremu. Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye. Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.” Akati achataura izvozvo, gore rikauya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore. Ipapo izwi rakabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu, mumunzwei!” Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona.

Verenga chikamu Ruka 9