Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 9:1-36

Ruka 9:1-36 SCLB

Jesu akadaidza vane gumi navaviri akavapa simba noukuru pamusoro pemweya yose yakaipa nesimba rokurapa zvirwere. Akavatuma kundoparidza umambo hwaMwari uye kundoporesa. Akati kwavari, “Musatakure zvinhu zverwendo zvinoti tsvimbo kana nhava kana chingwa kana mari. Musave nehembe mbiri. Imba ipi neipi yamunosvikira garai imomo kusvikira pamunobvapo. Kose kwavasingakugamuchirei, kana mobva muguta iroro gumai guruva retsoka dzenyu rive uchapupu kwavari.” Vadzidzi vakaenda nomumisha vachiparidza shoko vachiporesa kose kose. Herodhi mumwe wavatongi vana akanzwa zvose zvakanga zvaitwa zvakamupazanisa musoro nokuti zvainzi navamwe, ndiJohani akamutswa kuvakafa, vamwewo vachiti ndiEriya akazvionesa. Vamwewo vaiti mumwe wavaporofita vakare akanga amuka. Herodhi akati, “Johani ndakamudimbura musoro. Ko uyu ndiani wandinonzwa zvinhu zvakadai nezvake.” Naizvozvo aitsvaga kuti angamuone sei. Vapositori pavakadzoka vakamurondedzera zvavakanga vaita. Akavatora akaenda navo kwavo voga kuguta rinonzi Bhetisaidha. Voruzhinji pavakazvinzwa vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari. Akarapa vakanga vachida kurapwa. Zuva parakanga rodeuka vane gumi navaviri vakauya vakati kwaari, “Dai machiendesa vanhu mumamisha nomuruwa ruri munharaunda ino kuti vandorara nokuwana zvokudya nokuti matiri muno murenje.” Asi iye akati kwavari, “Vapei iyemi zvokudya.” Ivowo vakati tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete kunze kokunge tatondotengera vanhu ava vose chokudya. Izvozvo pakanga paine varume vainge zviuru zvishanu. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Itai kuti vanhu vagare pasi muzvikwata zvavanhu vanenge makumi mashanu pachikwata choga choga.” Vakaita saizvozvo. Vakagarisa vanhu vose pasi. Jesu akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri dziya akatarisa kudenga ndozvikomborera ndokuzvimedura akazvipa kuvadzidzi kuti vazvipe kuvanhu. Vanhu vose vakadya vakaguta. Vakanongera zvakanga zvasara zvikazadza tswanda gumi nembiri. Zvakaitika kuti zvaakanga achinamata oga, vadzidzi vakanga vanaye. Akavabvunza kuti, “Ko vanhu vanonditi ndini ani?” Ivo vakapindura vachiti, “Vamwe vanoti ndimi Johani Muombeki; vamwewo vachiti, ndimi Eriya vamwewo vachiti, muri mumwe wavaporofita vakare wakamuka.” Iye ndokuti kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu waMwari.” Akavatsindidza achivaudza kuti vasambotaurira izvi kana munhu zvake achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru agorambwa navakuru vakuru navaPristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.” Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera. Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa. Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake. Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingambozoravira rufu vasati vaona umambo hwaMwari.” Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata. Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo. Ndiye pakarepo varume vaviri, Mosesi naEriya vakanga vava kutaura naye, kutarisika kwavo kwaipenya. Vaitaura nezvokutisiya kwake kwaaizozadzisa kuJerusaremu. Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye. Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura. Paaitaura izvi, gore rakauya rikavafukidza vakabatwa nokutya pavaipinda mugore iroro. Izwi rakabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu musarudzwa wangu, munzwei.” Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona.

Verenga chikamu Ruka 9