Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:39-55

Ruka 1:39-55 SNA2002

Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.” Maria akati, “Mwoyo wangu unokudza Ishe, Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu; Zvaakaona urombo hwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achanditi, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo anamasimba akandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene. Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya. Wakaratidza simba rake noruoko rwake; Akaparadza vaizvikudza mundangariro dzemwoyo yavo; Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvoushe, Akasimudza vakaninipiswa; Vane nzara akavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vapfumi vasina; Akabatsira Isiraeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake, Sezvaakareva kumadzibaba edu, Kuna Abhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.”

Verenga chikamu Ruka 1