Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:39-55

Ruka 1:39-55 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea, uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti. Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene. Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri? Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro. Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!” Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu, nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa, nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa. Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu. Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni, kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 1

Ruka 1:39-55 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu. “Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.” Maria ndokubva atiwo; “Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopembera norufaro Mwari Muponesi wangu. Nokuti akarangarira iniwo zvangu murandanhando wake. Chionai kuti kubvira zvino, zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi; ‘Wakakomborerwa,’ nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera. Anonzwira tsitsi vanomutya, kubvira kuchizvarwa nechizvarwa. Akaita zvina masimba noruoko rwake, akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe, achisimudzira pamusoro vakazvirereka. Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi akavaendesa vasina chavanacho. Akarangarira tsitsi dzake akabatsira Isiraeri muranda wake. Sokutaura kwaakamboita kumadzitateguru edu, kuna Abhurahamu nezvizvarwa zvake, nokusingaperi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 1

Ruka 1:39-55 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)