Joshua 16
16
Nhaka yaEfuremu
1Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJorodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti‐eri; 2ndokubva Bheti‐eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu wavaArikiti kusvikira paAtaroti; 3ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeri, ndokuguma pagungwa.
4Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo.
5Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakanga uri Atarotiadhari, kusvikira paBheti‐horoni kumusoro; 6zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati‐shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJanoa; 7ndokubva paJanoa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJorodhani. 8Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo; 9pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo. 10Havana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 16: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002