Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 15

15
Nhaka yaJudha
1Mugove worudzi rwavana vaJudha nemhuri dzavo wakasvikira pamuganhu waEdhomu, iko kurenje reZini kurutivi rwezasi, kusvikira zasi kwazvo. 2Muganhu wavo wezasi wakabva pamuganhu weGungwa roMunyu, kubva apo pakapinda nyika mugungwa, panotarira kurutivi rwezasi; 3ndokupfuura zasi kwegomo reAkirabhimi, ndokupfuura nokurutivi rweZini, ndokukwira nechenyasi kweKadheshi‐bharinea, ndokupfuura napaHezironi, ndokukwira napaAdhari, ndokudzoka napaKarika; 4ndokupfuura kusvikira paAzimoni, ndokubuda naparukova rweIjipiti; muganhu uyu ndokuguma pagungwa; ndiwo unofanira kuva muganhu wezasi.
5Muganhu wokumabvazuva wakatanga paGungwa roMunyu kusvikira pamuganhu waJorodhani. Muganhu worutivi rwokumusoro wakatanga apo panopinda nyika mugungwa kusvikira pamugumo waJorodhani, 6ndokukwira kuBheti‐hogira, ndokupfuura nokumusoro kweBheti‐arabha; muganhu ndokukwira kubwe raBhohani, mwanakomana waRubheni; 7muganhu ndokukwira nokuDhebhiri, uchibva pamupata weAkori, ndokudaro uchienda kumusoro wakatarisana neGirigari, pakatarisanazve negomo reAdhumimi, riri kurutivi rwezasi rworwizi; muganhu ndokupfuura napamvura yeEni‐shemeshi, ndokuguma paEni‐rogeri; 8muganhu ndokukwira napamupata womwanakomana waHinomi, kusvikira kurutivi rwavaJebhusi zasi (ndiro Jerusaremu); muganhu ndokukwira kusvikira pamusoro wegomo riri pamberi pomupata weHinomi kumavirazuva, uri pamugumo kwazvo womupata weRefaimu, kurutivi rwokumusoro. 9Muganhu ndokutarwa kubva pamusoro pegomo kusvikira kutsime remvura yeNefitoa, ndokuguma pamaguta pagomo reEfuroni; zvino muganhu ndokutarwa kusvikira Bhara (ndiro Kiriati‐jearimi). 10Muganhu ndokudzoka uchibva paBhara nokumavirazuva kusvikira pagomo reSeiri, ndokupfuura nokurutivi rwegomo reJearimi nechokumusoro (ndiro Kesaroni), ndokuburukira kusvikira paBheti‐shemeshi, ndokupfuura napaTimuna; 11muganhu ndokupfuura kurutivi rweEkironi, kumusoro; muganhu ndokutarwa kusvikira paShikeroni, ndokupfuura napagomo reBhara, ndokupfuura paJabhuneeri; muganhu ndokuguma pagungwa. 12Muganhu wokumavirazuva wakasvika kugungwa guru nenyika yarwo. Ndiwo muganhu wavana vaJudha kunhivi dzose nemhuri dzavo.
13Asi wakapa Karebhu mwanakomana waJefune mugove pakati pavana vaJudha; sezvakarairwa Joshua naJehovha, akamupa Kiriati‐abha; Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni). 14Karebhu akadzingapo vanakomana vatatu vaAnaki, vaiti: Sheshai, naAhimani, naTamai, vanakomana vaAnaki. 15Akabvapo, akandorwa navaigara Dhebhiri; zita reDhebhiri kare raiva Kiriati‐seferi. 16Karebhu akati, “Munhu unorwa neKiriati‐seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake.” 17Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, mun’una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake. 18Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, “Unoreveiko?” 19Akati, “Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura.” Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi.
20Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaJudha nemhuri dzavo.
21Maguta okumudzivo orudzi rwavana vaJudha kumuganhu waEdhomu zasi akanga ari Kabhezeeri, neEdheri, neJaguri; 22neKina, neDhimona, neAdhadha, 23neKedheshi, neHazori, neItanani; 24neZifi, neTeremi, neBheroti; 25neHazori‐hadhata, neKerioti‐hezironi (ndiro Hazori); 26neAmamu, neShema, neMoradha; 27neHazari‐gadha, neHeshimoni, neBheti‐pereti; 28neHazari‐shuari, neBheeri‐shebha, neBhiziotia; 29neBhaara, neIyimi, neEzemi; 30neEritoradhi, neKesiri, neHoma; 31neZikiragi, neMadhamana, neSanisana; 32neRebhaoti, neShirimi, neAini, neRimoni; maguta iwayo ose aiva namakumi maviri namapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.
33Pabani pakanga pane Eshitaori, neZora, neAshina; 34neZanoa, neEniganimi, neTapua, neEnami; 35neJarimuti, neAdhuramu neSoko, neAzeka; 36neSharaimi, neAdhitaimu, neGedhera, neGedherotaimi; maguta ane gumi namana, pamwechete nemisha yawo.
37Zenani, neHadhasha, neMigadhari‐gadhi; 38neDhirani, neMizipe, neJokiteeri; 39neRakishi, neBhosikati, neEgironi; 40neKabhoni, neRamani, neKiterishi; 41neGedheroti, neBheti‐dhagoni, neNaama, neMakedha; maguta ane gumi namatanhatu, pamwechete nemisha yawo.
42Ribhina, neEteri, neAshani; 43neIfuta, neShina, neNezibhi; 44neKeira, neAkizibhi, neMaresha; maguta ana mapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.
45Ekironi, nemisha yaro, nemisha miduku yaro; 46kubva paEkironi kusvikira pagungwa, maguta ose akanga ari parutivi rweAshidhodhi, pamwechete nemisha yawo.
47Ashidhodhi, nemisha yaro, nemisha miduku yaro; neGaza, nemisha yaro, nemisha miduku yaro, kusvikira kurukova rweIjipiti, napagungwa guru nenyika yaro.
48Nokunyika yamakomo, Shamiri, neJatiri, neSoko; 49neDhana, neKiriati‐sana (ndiro Dhebhiri); 50neAnabhi, neEshitemo, neAnimi; 51neGosheni, neHoroni, neGiro; maguta ane gumi nerimwe, pamwechete nemisha yawo.
52Arabhu, neDhuma, neEshani; 53neJanimi, neBheti‐tapua, neAfeka; 54neHumuta, neKiriati‐abha (ndiro Hebhuroni), neZiori; maguta mapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.
55Maoni, neKarimeri, neZifi, neJuta; 56neJezireeri, neJokidheami, neZanoa; 57neKaini, neGibhea, neTimuna; maguta ane gumi, pamwechete nemisha yawo.
58Harikuri, neBheti‐zuri, neGedhori; 59neMaarati, neBheti‐anoti, neEritekoni; maguta matanhatu, pamwechete nemisha yawo.
60Kiriati‐bhaari (ndiro Kiriati‐jearimi), neRabha; maguta maviri, pamwechete nemisha yawo.
61Murenje pakanga pane Bheti‐abha, neMidhini, neSekaka; 62neNibhishani, neGuta roMunyu, neEni‐gedhi; maguta matanhatu, pamwechete nemisha yawo.
63Asi vana vaJudha vakanga vasingagoni kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaJudha kusvikira nhasi.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 15: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda