Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 14

14
Karebhu anopiwa Hebhuroni
1Ndidzo nhaka dzakagamuchirwa navana vaIsiraeri panyika yeKenani, dzavakagoverwa nomupristi Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri. 2Vakagoverwa nhaka yavo nemijenya, sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMosesi, nhaka yamarudzi mapfumbamwe nehafu. 3Nokuti Mosesi wakanga apa marudzi maviri nehafu nhaka yavo mhiri kwaJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo. 4Nokuti vana vaJosefa vakanga vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nepfuma yavo. 5Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha, vakakamura nyika.
6Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, “Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mosesi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi‐bharinea. 7Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMosesi muranda waJehovha paKadheshi‐bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini. 8Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza mwoyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose. 9Mosesi akapika nomusi uyo, akati, ‘Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’ 10Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mosesi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu. 11Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda. 12Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.”
13Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni, ive nhaka yake. 14Naizvozvo Hebhuroni rakazova nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, kusvikira nhasi; nokuti wakanga atevera Jehovha Mwari waIsiraeri nomwoyo wake wose. 15Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati‐aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 14: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda