Joshua 13
13
Nyika yakasara inogoverwa
1Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, “Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu. 2Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose; 3kubva paShihori kurutivi rweIjipiti, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowavaKenani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi, 4kurutivi rweZasi, nyika yose yavaKenani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu wavaAmori; 5nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari‐gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati; 6vanhu vose vagere panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefotimaimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana vaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira. 7Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo.”
8VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMosesi mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMosesi, muranda waJehovha; 9kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni; 10namaguta ose aSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni; 11neGireadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka, 12noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMosesi vakadzingwa naye. 13Kunyange zvakadaro vana vaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati; asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira nhasi.
14Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.
15Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo. 16Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha; 17Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti‐bhaari, neBheti‐bhaari‐meoni; 18neJahazi, neKedhemoti, neMefahati; 19neKiriataimi, neSibhima, neZereti‐shahari mugomo romupata; 20neBheti‐peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti‐jeshimoti; 21namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMosesi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo. 22Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo. 23Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Jorodhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo.
24Mosesi akapa rudzi rwavaGadhi, ivo vana vaGadhi, mugove wavo nemhuri dzavo. 25Nyika yavo raiva Jazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavana vaAmoni, kusvikira paAroeri, pamberi peRabha; 26nokubva paHeshibhoni, kusvikira paRamati‐mizipe, neBhetonimu; nokubva paMahanaimu, kusvikira pamuganhu weDhebhiri; 27nomumupata Bheti‐harami, neBheti‐nemura, neSukoti, neZafoni, noumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni, mambo weHeshibhoni, neJorodhani nenyika yarwo, kusvikira pamagumisiro egungwa reKineroti, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva. 28Ndiyo nhaka yavana vaGadhi nemhuri dzavo iwo maguta nemisha yawo.
29Mosesi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo; ndiyo yaiva nhaka yehafu yorudzi rwavana vaManase nemhuri dzavo. 30Nyika yavo yakabva paMahanaimu, neBhashani rose, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu; 31nehafu yeGireadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta oushe hwaOgi paBhashani, ndiyo yaiva yavana vaMakiri, mwanakomana waManase, yehafu yavana vaMakiri nemhuri dzavo.
32Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMosesi pamapani aMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva. 33Asi rudzi rwavaRevhi haruna kupiwa nhaka naMosesi; Jehovha Mwari waIsiraeri, iye amene, ndiyo nhaka yavo, sezvavakaudzwa naye.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 13: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002