Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 12

12
Madzimambo akakundwa navaIsiraeri
1Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva: 2Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGireadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni; 3nerenje, kusvikira pagungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira pagungwa rerenje, iro Gungwa roMunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bheti‐jeshimoti; nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga;
4nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakanga asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei, 5waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGireadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni.
6Mosesi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mosesi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.
7Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kubva paBhaari‐gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.
8Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yavaHeti, neyavaAmori, neyavaKenani, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, 9mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedyo neBheteri, mumwe; 10namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe; 11namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe; 12namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe; 13namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe; 14namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe; 15namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe; 16namambo weMakedha, mumwe; namambo weBheteri, mumwe; 17namambo weTapua, mumwe; namambo weHeferi, mumwe; 18namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe; 19namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe; 20namambo weShimuroni‐meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe; 21namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe; 22namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe; 23namambo weDhori panyika yamakomo yaDhori, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe; 24namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 12: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda