Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 17

17
Nhaka yaManase
1Ndiwo mugove worudzi rwaManase; nokuti iye wakanga ari mwana wedangwe waJosefa. Kana ari Makiri, mwana wedangwe waManase, baba vaGireadhi, iye wakapiwa Gireadhi neBhashani, nokuti wakanga ari murwi. 2Vamwe vana vaManase vakapiwa mugove nemhuri dzavo: Vana vaAbhiezeri, navana vaHereki, navana vaAsirieri, navana vaShekemu, navana vaHeferi, navana vaShemidha, ndivo vakanga vari vana vavakomana vaManase, mwanakomana waJosefa, nemhuri dzavo. 3Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza. 4Ivo vakaswedera kumupristi Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, “Jehovha wakaraira Mosesi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu;” naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanunguna vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha. 5Manase akapiwa migove ine gumi, kunze kweGireadhi neBhashani mhiri kwaJorodhani; 6nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGireadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.
7Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni‐tapua. 8Nyika yeTapua yakanga iri yaManase; asi Tapua pamuganhu waManase rakanga riri guta ravana vaEfuremu. 9Zvino muganhu ndokuburuka kurukova Kana, nechezasi kworukova; maguta iwayo akanga ari aEfuremu, pakati pamaguta aManase; muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworukova, ndokuguma pagungwa. 10Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva. 11Pakati paIsakari naAsheri Manase wakanga ane Bheti‐sheani nemisha yaro, neJibhireami nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Dhori nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Endori nemisha yaro, navakanga vagere Taanaki nemisha yaro, navakanga vagere Megidho nemisha yaro, ari makomo matatu. 12Asi vana vaManase vakanga vasingagoni kudzinga vanhu vakanga vagere mumaguta iwayo; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo. 13Zvino vana vaIsiraeri vakati vava nesimba, vakaita vaKenani vabati vechibharo, havana kuvadzinga chose.
14Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua, vakati, “Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete, kuti ive nhaka yedu, zvatiri vanhu vazhinji, nokuti Jehovha wakatiropafadza kusvikira zvino?”
15Joshua akati kwavari, “Kana muri vanhu vazhinji, endai henyu kudondo, mundozvitemera nzvimbo ipapo panyika yavaPerezi neyavaRefaimu; zvamusingakwaniri panyika yamakomo yaEfuremu.” 16Vana vaJosefa vakati, “Nyika yamakomo haingatikwaniri; uye vaKenani vose vanogara munyika yomupata vane ngoro dzamatare, ivo vose vari paBheti‐sheani nemisha yaro, navari mumupata weJezireeri.”
17Zvino Joshua akataura naveimba yaJosefa, ivo vaEfuremu navaManase, akati, “Imi muri vanhu vazhinji, mune simba guru, hamungavi nomugove mumwe chete; 18asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema, mabudiro aro ose agova enyu; nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzamatare, uye kunyange vane simba.”

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 17: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda