Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 6

6
Jerusaremu richakomberedzwa navavengi
1Tizai, imi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nokuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru. 2Ndichabvisa mukunda weZioni, iye wakanaka, uno nengwe. 3Vafudzi vachaenda kwariri vana mapoka avo; vacharidzikira matende avo kumativi ose, mumwe nomumwe uchafura panzvimbo yake. 4“Zvigadzirei kundorwa naro; simukai, tiende masikati. Tine nhamo, nokuti zuva rovira, nokuti mimvuri yamadekwana yareba.
5“Simukai, tiende husiku, tindoparadza dzimba dzamadzimambo aro.” 6Nokuti zvakanzi naJehovha wehondo, “Temai miti, mututire Jerusaremu murwi wokurwa nawo; ndiro guta rinofanira kurohwa, mukati maro munongova nokumanikidza bedzi. 7Tsime sezvarinobudisa mvura yaro, saizvozvo rinobudisa zvakaipa zvaro; kuita nesimba nokuparadza ndizvo zvinzwika mukati maro, pamberi pangu panongova nokurwara namavanga nguva dzose. 8Tenda kurangwa, iwe Jerusaremu, kuti mweya wangu urege kuparadzana newe, ndirege kukuita dongo, nyika isingagari vanhu.”
9Zvanzi naJehovha wehondo, “Vachatanha chose zvakasara zvaIsiraeri, somudzambiringa; dzoseraizve ruoko rwenyu mumatengu, sezvinoita mutanhi wemidzambiringa.” 10Ndichataura nani nokuvapupurira vanzwe? Tarirai, nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, havagoni kunzwa; tariai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri. 11Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; “Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nokuti murume nomukadzi vachabatwa pamwechete, nomutana pamwechete nowava namazuva mazhinji. 12Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwechete navakadzi vavo; nokuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 13Nokuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira pfuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera. 14Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti, “Rugare, rugare!” Izvo hakuna rugare. 15Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havanakutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
16Zvanzi naJehovha, “Mirai panzira, muwone; bvunzai nzira dzakare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mweya yenyu zoro;” asi vakati, “Hatidi kufamba mairi.” 17Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati, “Tererai inzwi rehwamanda;” asi ivo vakati, “Hatidi kuterera.” 18Naizvozvo inzwai, imi marudzi, newe ungano, muzive zviri pakati pavo. 19Inzwa, “Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuterera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba. 20Ko zvinonhuwira zvinouyirei kwandiri zvichibva Shebha, nekaramusi inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi, nezvibayiro zvenyu hazvindifadzi. 21Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndichaisira vanhu ava zvigumbuso, madzibaba navanakomana vavo vachagumbuswa nazvo pamwechete; munhu neshamwari yake vachaparara pamwechete.’ ”
22Zvanzi naJehovha, “Tarirai, vanhu vachabva kunyika yokumusoro, rudzi rukuru ruchamutswa, ruchibva kumigumo yenyika. 23Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZioni.”
24Takanzwa guhu razvo, maoko edu oshaiwa simba, tabatwa nokutambudzika, nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka.
25Regai kubudira kubundo, kana kufamba nenzira; nokuti munondo womuvengi nezvinotyisa zviri kumativi ose.
26Haiwa, mukunda wavanhu vangu, “Zvisunge chiuno namakudza, uumburuke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nokuti muparadzi uchatiwira pakarepo.” 27Ndakakuita mushori nenhare pakati pavanhu vangu, kuti uzive nokuidza zira yavo. 28Vose vavo vamukiri vakaisvoipa, vanongofamba-famba vachiita makuhwa; indarira nedare, vanoita zvakashata vose. 29Mvuto inovhutira kwazvo, mutobvu wapera nomoto, vanoramba vachinatsa pasina, nokuti vakaipa havabviswi.
30Vachanzi sirivha yakarashwa, nokuti Jehovha wakavaramba.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 6: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda