Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 5

5
Jehovha anotuka vanhu vake vakamurasa
1Mhanyai kwose-kwose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikanganwira. 2Kunyange vachiti havo, “NaJehovha mupenyu,” zvirokwazvo vanopika nhema. 3Haiwa Jehovha, meso enyu haazinotsvaka zvokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; makavapedza, asi vakaramba kurairwa; vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo, vakaramba kudzoka. 4Ipapo ndikati, “Zvirokwazvo, ava varombo, mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, kana murayiro waMwari wavo. 5Ndichaenda kuvakuru, ndichataura navo; nokuti ivo vanoziva nzira yaJehovha, nomurayiro waMwari wavo. Asi ava vose pamwechete vakaputsa joko, vakadambura zvisungo.” 6Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, bere rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nokuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa. 7“Ndingakukanganwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvipfeve vachiita mapoka. 8Vakanga vakaita samabhiza akagutswa, anongozvifambira; mumwe nomumwe wakadana mukadzi wowokwake. 9Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
10“Kwirai pamasvingo aro, muparadze; asi musapedza chose; bvisai matavi aro, nokuti haazi Jehovha. 11Nokuti imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaita nokunyengera kukuru kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.”
12Vakaramba Jehovha, vakati, “Haazi iye; hakuna chakaipa chingatiwira, hatingaoni munondo kana nzara; 13vaporofita vachashanduka mhepo, shoko raJehovha harizi mavari; ngavaitirwe saizvozvo.” 14Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, “Zvamunotaura shoko iri, tarirai, ndichaita mashoko angu ave moto mumiromo yenyu, navanhu ava vave huni, vapedzwe nawo.”
15Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsiraeri; rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura. 16Gobha ravo hwiro hwakashama, vose vanhu vane simba. 17Vachadya zvamakohwa nezvokudya zvenyu zvaifanira kudyiwa navanakomana venyu navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu; vachadya midzambiringa yenyu nemionde yenyu; vachaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaivimba nawo.
18Asi zvanzi naJehovha, “Kunyange napamazuva iwayo handingakupedziyi chose. 19Zvino kana muchinge munoti, ‘Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose?’ Ipapo uti kwavari, ‘Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.’ ”
20Taurirai izvozvi paimba yaJakobho, muzviparidzire paJudha, muchiti, 21“Zvino chinzwai izvozvi, imi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi. 22Zvanzi naJehovha, ‘Hamundityi here?’ Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganho wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi. 23Asi vanhu ava vanomwoyo wakasindimara unoramba kunzwa; vakatsauka, ndokuenda.
24“Havati mumwoyo yavo, ‘Zvino ngatitye Jehovha Mwari wedu, unotipa panguva yazvo mvura yokutanga neyokupedzisira, iye unotichengetera mavhiki akatarwa okukohwa.’ 25Zvakaipa zvenyu zvakatsausa izvozvi, kutadza kwenyu kwakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zvirege kuuya kwamuri.
26“Nokuti vanhu vakaipa varipo pakati pavanhu vangu; vanorindira, savanogarira shiri; vanoteya misungo, vanobata vanhu. 27Sedendere, rizere neshiri, saizvozvo dzimba dzavo dzizere nokunyengera; nemhaka iyo vakura, vapfuma. 28Vakora, vanobwinya; zvirokwazvo vanokurira vamwe namabasa akaipa; havatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti vagare zvakanaka; havaruramisiri vanoshaiwa.
29“Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?”
30Chinhu chinoshamisa chinosemesa chakaitwa panyika ino; 31vaporofita vanoporofita nhema, navapristi vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 5: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda