Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 4

4
1Zvanzi naJehovha, “Kana muchida kudzoka, imi Isiraeri, kana muchida kudzokera kwandiri, kana muchida kubvisa zvinonyangadza zvenyu pamberi pangu, hamungafaniri henyu kudzungaira. 2Ipapo muchapika, muchiti, ‘NaJehovha mupenyu,’ nezvokwadi, nezvakarurama, nokururama; ipapo marudzi achazviropafadza maari, nokuzvirumbidza maari.”
Kutsamwa kwaJehovha kuchauyisa vavengi
3Nokuti zvanzi naJehovha kuvanhu vaJudha naveJerusaremu, “Zviundirei gombo, idzva, musadyara pakati peminzwa.
4“Zvidzingisirei Jehovha, mubvise zvikanda zvapamberi zvomwoyo, imi vanhu vaJudha navagere Jerusaremu; kuti kutsamwa kwangu kukuru kurege kubuda somoto, upise kusino munhu unogona kuudzimura, nokuda kwezvakaipa zvamakaita.”
5Taurai pakati paJudha, muparidze muJerusaremu, muti “Ridzai hwamanda panyika,” danidzirai, muti, “Unganai, tindopinda mumaguta akakomberedzwa.
6“Simudzirai mureza kurutivi rweZioni, tizai, musamira; nokuti ndichauyisa zvakaipa zvinobva kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
7“Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.
8“Naizvozvo zvisungei zviuno zvenyu namakudza, mucheme nokuwungudza; nokuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kudzorwa kwatiri.” 9Zvino ndizvo zvinotaura Jehovha nezuva iro mwoyo wamambo uchaora, nemwoyo yamachindawo; vapristi vachashamiswa navaporofita vachakanuka. 10Ipapo ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha zvirokwazvo makanyengera kwazvo vanhu ava naveJerusaremu, zvamakati, ‘Muchava norugare, nyamba munondo unobaya kusvikira pamweya.’ ”
11Nenguva iyo vanhu ava naveJerusaremu vachaudzwa, zvichinzi, “Tarirai mhepo inopisa, inobva kuzvikomo zvisina miti murenje, inouya kumukunda wavanhu vangu, isingavingi kurudza kana kunatsa; 12mhepo ine simba, inobva ikoko, ichandiuyira; zvino ndicharevawo zvandakatonga pamusoro pavo.”
13Tarirai, uchauya samakore, ngoro dzake dzichaita sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Tine nhamo, nokuti taparadzwa. 14Haiwa, Jerusaremu, suka zvakaipa zviri pamwoyo wako, kuti uponeswe. Ndangariro dzako dzakaipa dzichagara mukati mako kusvikira riniko? 15Nokuti inzwi rinotaura richibva Dhani, rinoparidza njodzi richibva pazvikomo zveEfuremu.
16Udzai marudzi izvozvo; tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa. 17Dzinovakomberedza savarindi vanokomberedza munda, nokuti vakandimukira ndizvo zvinotaura Jehovha.
18Mufambire wako nezvawakaita ndizvo zvakakuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nokuti zvinovava, nokuti zvinosvikira kumwoyo wangu.
19Maiwe! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumwoyo mangu mumene; mwoyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa.
20“Kunonzi, kuparadzwa kunotevera kuparadzwa; nokuti nyika yose yaitwa dongo; matende angu aparadzwa kamwekamwe, namaseiri amatende angu pakarepo. 21Ndichaona mureza kusvikira riniko, nokunzwa kurira kwehwamanda? 22Nokuti vanhu vangu mapenzi, havandizivi; vakaita vana vamapenzi, vasina njere, vakachenjera pakuita zvakaipa, asi havane zivo pakuita zvakanaka.”
23Ndakatarira nyika, ndikaiona yaparadzwa, isina chinhu; ndikatarira denga rose, asi rakanga risina chiedza. 24Ndakatarira makomo, ndikaona achidedera, nezvikomo zvose zvichizununguka.
25Ndakatarira, ndikasaona munhu, neshiri dzose dzokunga dzakanga dzatiza.
26Ndakatarira, ndikaona nyika yakanga ichibereka zvakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akanga akoromoka pamberi paJehovha, napamberi pokutsamwa kwake kukuru. 27Nokuti zvanzi naJehovha, “Nyika yose ichasiyiwa yaparadzwa, asi handingaipedzi chose.”
28Nemhaka iyi nyika ichachema, nedenga rose kumusoro richasviba; nokuti ndakazvitaura, ndakafunga kuzviita, handina kuzvidemba, handingadzoki pachinhu ichi.
29Maguta ose anotiza nokuda kwomubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiyiwa hakuna munhu unogaramo. 30Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikanwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya. 31Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZioni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, “Ndine nhamo zvino! Nokuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 4: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda