Jeremiya 40
40
Jeremiya anondogara naGedharia
1Shoko rakabva kuna Jehovha, rikasvika kuna Jeremiya, asunungurwa paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, nguva yaakanga amubata akasungwa namaketani pakati pavatapwa vose veJerusaremu navaJudha, vakanga votapwa vachiiswa Bhabhironi.
2Mukuru wavarindi akatora Jeremiya, akati kwaari, “Jehovha Mwari wako wakareva zvakaipa izvi pamusoro penzvimbo ino; 3zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasaterera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.
4“Zvino tarira, ndinokusunungurira nhasi maketani ari paruoko rwako. Kana uchiti zvakanaka kuenda neni Bhabhironi, chiuya, ini ndichakuchengeta zvakanaka; asi kana uchiti zvakaipa kuenda neni Bhabhironi, chirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; chienda hako kwaunoti zvakanaka nezvakarurama kuti uende.”
5Zvino wakati achigere kuenda, akati, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende.” Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa. 6Ipapo Jeremiya akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, akagara naye pakati pavanhu vakanga vakasiyiwa munyika.
7Zvino vakuru vose vehondo, vakanga vari kumasango, ivo navanhu vavo, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami ave mubati munyika iyo, akaisa pamaoko ake varume navakadzi navana, navaiva varombo kwazvo panyika, vakanga vasina kutapirwa Bhabhironi, 8vakauya kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraia mwanakomana waTanhumeti, navanakomana vaEfai muNetofati, naJezania mwanakomana womuMaakatiti, ivo navanhu vavo. 9Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, “Musatya kushumira vaKaradhea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro. 10Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhea, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvezhizha namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.” 11Saizvozvowo, vaJudha vose, vaiva paMoabhu, navaiva pakati pavana vaAmoni, napaEdhomu, navaiva panyika dzose, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga asiya vamwe vaJudha, akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani ave mubati wavo; 12ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvezhizha.
13NaJohananiwo, mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva kumasango, vakauya kuna Gedharia paMizipa, 14vakati kwaari, “Munoziva here kuti Bhaarisi, mambo wavana vaAmoni, wakatuma Ishimaeri mwanakomana waNetania kuzokuurayai?” Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda. 15Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyerere, akati, “Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?”
16Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 40: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002