Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 41

41
Ishimaeri unouraya Gedharia navamwe
1Zvino nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumwe wavanyai vakuru vamambo, wakauya ana varume vane gumi naye kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, vakadyapo zvokudya pamwechete paMizipa.
2Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania navarume vane gumi vaiva naye vakasimuka, vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya, iye wakanga agadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wenyika iyo.
3Ishimaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naye, naiye Gedharia paMizipa, navaKaradhea vakawanikwapo, vaiva varwi.
4Zvino nezuva rechipiri rokuuraya kwake Gedharia, kusisina munhu wakazviziva, 5vamwe varume vakasvikapo vachibva Shekemu neShiro neSamaria, varume vana makumi masere, ndebvu dzavo dzakaveurwa nenguo dzavo dzakabvarurwa, vakanga vazvicheka-chekawo, vakabata mumaoko avo zvipiriso zvohupfu nezvinonhuwira, kuti vazviise mumba maJehovha. 6Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.” 7Zvino vakati vachisvika pakati peguta, Ishimaeri mwanakomana waNetania akavauraya, ndokuvakanda mukati megomba, iye navarume vaakanga anavo. 8Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, “Musatiuraya, nokuti tina zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, zviyo nebhari namafuta nohuchi.” Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
9Zvino gomba iro makakandira Ishimaeri zvitunha zvavanhu vaakanga auraya, pamwechete naGedharia (ndiro rakanga raitwa namambo Asa nemhaka yokutya Bhaasha mambo waIsiraeri), Ishimaeri mwanakomana waNetania wakarizadza navakaurawa. 10Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaisa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.
11Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakati vachinzwa zvakaipa zvose zvakaitwa naIshimaeri mwanakomana waNetania, 12vakatora varume vose, vakandorwa naIshimaeri mwanakomana waNetania, vakamuwana ari pamvura zhinji iri paGibheoni.
13Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara. 14Naizvozvo vanhu vose vakanga vatapwa naIshimaeri paMizipa vakatendeuka vakadzoka, vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea. 15Asi Ishimaeri mwanakomana waNetania wakatiza Johanani ana varume vasere, akaenda kuvana vaAmoni. 16Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatora vanhu vose vakanga vasara, vaakanga arwira kuna Ishimaeri mwanakomana waNetania paMizipa, ambouraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti, varume varwi navakadzi navana navaranda, vaakanga adzosa paGibheoni.
17Vakabva, vakandogara paGerutikimhami, riri paBheterehemu, vachiti vagozoenda Ijipiti, 18nokuda kwavaKaradhea, nokuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakanga aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 41: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda