Jeremiya 39
39
Jerusaremu rinokundwa navaKaradhea
1Zvino Jerusaremu rakati rakundwa, negore repfumbamwe raZedhekia mambo waJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwa neJerusaremu, ndokurikomba.
2Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi vakakoromora rusvingo rweguta, 3machinda ose amambo weBhabhironi akapinda, akagara pasi musuo rapakati, vaiti Nerigarisharezeri, naSamigarinebho, naSherisekimu mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wen'anga, pamwechete namachinda ose amambo weBhabhironi.
4Zvino Zedhekia mambo waJudha navarwi vose vakati vachivaona vakatiza, vakabuda muguta husiku, vachienda nenzira yokumunda wamambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri; akabuda achienda kumapani. 5Asi hondo yavaKaradhea yakadzingana navo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko; zvino vakati vamubata, vakaenda naye kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutonga. 6Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira iye akataririra; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha. 7Akatumburawo meso aZedhekia, akamusunga namaketani kuti amuise Bhabhironi. 8VaKaradhea vakapisa imba yamambo, nedzimba dzavanhu nomoto, vakakoromora masvingo eJerusaremu. 9Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navashanduki vakanga vauya kwaari, navamwe vanhu vakanga vasara, akavaisa Bhabhironi. 10Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemidzambiringa nemimwe minda nenguva iyo.
11Nebhukadhirezari weBhabhironi akaraira Nebhuzaradhani mukuru wavarindi pamusoro paJeremiya, achiti,
12“Mumubate, mumuchengete zvakanaka, murege kumuitira chakaipa; asi mumuitire sezvaanotaura kwamuri.” 13Naizvozvo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatuma nhume, naNebhushazibhani, mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wen'anga, navatariri vakuru vose vamambo weBhabhironi, 14ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.
15Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
16“Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona. 17Asi iwe ndichakurwira nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha; iwe haungaiswi mumaoko avanhu vaunotya. 18Nokuti zvirokwazvo ndichakuponesa, haungaurawi nomunondo, asi hupenyu hwako huchava kwauri chinhu chakapambwa, zvawakavimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 39: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002