Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 21

21
Jeremiya anoporofita kuti Jerusaremu richaparadzwa
1Shoko, rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, achiti, 2“Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.”
3Ipapo Jeremiya akati kwavari, “Itiyi kuna Zedhekia, 4‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhea vanokukombai kunze mukati meguta rino. 5Ini ndimene ndicharwa nemi nechanza chakatambanudzwa noruoko rune simba, nokutsamwa nehasha, neshungu kwadzo. 6Ndicharova vagere muguta rino, vanhu nezvipfuo zvose; zvichafa nehosha yakaipa. 7Pashure ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaisa Zedhekia mambo waJudha, navaranda vake navanhu vake, ivo vakasara muguta rino, vakapukunyuka pahosha, napamunondo, napanzara, mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya; iye uchavarova nomunondo unopinza, haangavaregi, kana kuvanzwira ngoni, kana kuva nenyasha navo.’ ” 8Iwe uti kuvanhu ava, “Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yohupenyu nenzira yorufu.’
9“Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba. 10Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndakarinzira guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.’ ”
11Zvino kana iri imba yamambo waJudha, inzwai shoko raJehovha, 12“Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu. 13Tarira, ndine mhosva newe, iwe ugere mumupata, padombo romubani ndizvo zvinotaura Jehovha; imi, munoti, ‘Ndiani uchapinda mudzimba dzedu?’ 14Ndichakurovai zvakaenzana nezvibereko zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichabatidza moto mudondo raro, uchapedza zvose zvakaripoteredza.”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 21: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda