Jeremiya 20
20
Jeremiya anosungwa nokurohwa nomupristi Pashuri
1Zvino Pashuri, mwanakomana womupristi Imeri, mutariri mukuru mumba maJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi. 2Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, akamusunga mumatanda aiva pasuo rokumusoro raBhenjamini, raiva mumba maJehovha. 3Zvino fume mangwanani Pashuri akasunungura Jeremiya pamatanda. Ipapo Jeremiya akati kwaari, “Jehovha haana kukutumidza zita rinonzi Pashuri, asi rinonzi Magorimisabhibhi. 4Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarira, ndinokuita chinhu chinotyisa, chichakutyisa iwe umene neshamwari dzako dzose; vachaparadzwa nomunondo wavavengi vavo, meso ako achazviona; ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye uchavatapira Bhabhironi, nokuvauraya nomunondo. 5Uyezve, ndichaisa pfuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvavo zvinokosha, zvirokwazvo, nepfuma yose yamadzimambo aJudha, ndichazviisa mumaoko avavengi vavo; ivo vachavapamba, nokuvatapa, nokuenda navo Bhabhironi. 6Newe Pashuri, navose vagere mumba mako, muchatapwa; iwe uchandosvika Bhabhironi, uchandofirapo, nokuvigwapo, iwe neshamwari dzako dzose, dzawaiporofitera nhema.’ ”
7Imi Jehovha makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imi mune simba kupfuureni, mukakunda; ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka. 8Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, “Zvinoitwa nesimba nokuparadza!” Nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose. 9Kana ndichiti, “Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake,” ipapo mumwoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni. 10Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. “Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikanwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari.” 11Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi. 12Asi imi Jehovha wehondo, imi, munoidza vakarurama, munoona itsvo nomwoyo, ngandione kutsiva kwenyu kwavari; nokuti ndakakuzarurirai imi mhaka yangu. 13Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nokuti wakarwira mweya wounoshaiwa pamaoko avaiti vezakaipa.
14Zuva randaberekwa naro ngaritukwe; zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa. 15Munhu ngaatukwe wakazivisa baba vangu shoko rokuti, “Maberekerwa mwanakomana,” akavafadza kwazvo.
16Munhu uyo ngaave samaguta akaparadzwa naJehovha, akasazvidemba; ngaanzwe kuchema mangwanani nemhere panguva yamasikati; 17zvaakarega kundiuraya ndichiri muchizvaro; saizvozvo mai vangu vangadai vaiva hwiro hwangu, vairamba vane mimba. 18Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nokuchema, kuti mazuva angu apere nokunyadziswa?
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 20: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002