Iwe uti kuvanhu ava, “Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yohupenyu nenzira yorufu.’
“Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.