Nokuti Ishe Jehovha achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu sebwe romusarasara, ndinoziva kuti handinganyadziswi. Anondiruramisira ari pedyo; ndiani acharwa neni? Ngatisimukei pamwechete; ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri. Tarirai, Ishe, Jehovha achandibatsira; ndiani angandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfunho. Ndianiko aripo pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera izwi romuranda wake? Anofamba murima, asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake.
Verenga chikamu Isaya 50
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 50:7-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo