Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 50:7-10

Isaya 50:7-10 SCLB

Sezvo Tenzi Mwari anondibatsira naizvozvo handimbopazama musoro, ndokusaka ini ndakaruma shaya uye ndinoziva kuti handizombonyadziswa. Anondipipirira ari padyo. Ndiani angapikisane neni? Ngatimirisanei. Ari kundipa mhosva wacho ndiani? Ngaauye pano pandiri. Chinzwa, Tenzi Mwari anondiyamura. Ndiani achanditi iwe une mhosva? Teerera unzwe, vose zvavo vachasakara sehembhe vachidyiwa notumashaveshave. Ndiani pakati penyu anotya Tenzi iye anoteerera izwi romuranda wake, anofamba murima asina mwenje anovimba nezita yaTenzi? Achitsamira pana Mwari wake?

Verenga chikamu Isaya 50