Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 50

50
1Zvanzi naJehovha, “Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, rwandakavaramba narwo? Kana ndakakutengesai kuna ani vandakanga ndine chikwerete navo here? Tarirai makatengeswa nokuda kwezvakaipa zvenyu, mai venyu vakarambwa nokuda kwokudarika kwenyu. 2Ndakashaireiko munhu pakusvika kwangu? Ndakashaireiko akapindura pakudana kwangu? Ko ruoko rwangu rwatongopfupiswa kuti rukoniwe kudzikinura here? Handine simba rokurwira here? Tarirai, ndinopwisa gungwa kana ndichirituka, nzizi ndinodziita renje; hove dzadzo dzinonhuwa, nokuti hadzine mvura, dzinofa nenyota. 3Denga rose ndinorifukidza nokusviba, chifukidziro charo ndinochiita makudza.”
Muranda waJehovha
4Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko; anondimutsa mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa. 5Ishe Jehovha akadziura nzeve dzangu, handina kuramba kana kudzokera shure.
6Ndakarinzira varovi musana wangu, namatama angu kuna vakataura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate. 7Nokuti Ishe Jehovha achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu sebwe romusarasara, ndinoziva kuti handinganyadziswi. 8Anondiruramisira ari pedyo; ndiani acharwa neni? Ngatisimukei pamwechete; ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri. 9Tarirai, Ishe, Jehovha achandibatsira; ndiani angandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfunho.
10Ndianiko aripo pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera izwi romuranda wake? Anofamba murima, asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake. 11Tarirai, imi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai mumurazvo womoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 50: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda