Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko. Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha. Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi; asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake. Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidza zvake.
Verenga chikamu Isaya 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 11:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo