Naizvozvo pachigutsa chokwaJese pachatungira nhungirwa, bukira richamera pamidzi yake. Mweya waTenzi uchagara paari Mweya woungwaru newokunzwisisa Mweya unopa zano newesimba Mweya woruzivo newokutya Tenzi. Zvokutya Tenzi ndozvaanofarira. Haatonge nezvaanoona nameso chete kana kutevedza zvaanonzwa nenzeve asi kuti achatonga varombo zvakarurama achipipirira vatamburi vepanyika uye nyika achairova neshamhu yomuromo wake nefemo romuromo wake anopfuudza vakaipa. Ururami ndihwo huchava bhandhe raanosungisa muchiuno chake, kutendeseka kuri bhandhe rake muchiuno.
Verenga chikamu Isaya 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 11:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo