Isaya 11
11
Hushe hwakanaka hwaMesiasi
1Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko. 2Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha.
3Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi; 4asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake. 5Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidza zvake. 6Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwechete; uye mwana muduku achadzitungamirira. 7Mhou nebere zvichafura; vana vadzo vachavata pamwechete; shumba ichadya uswa senzombe. 8Mwana anomwa, achatamba pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi. 9Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.
10Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.
11Zvino nezuva iro Ishe achatambanudzazve ruoko rwake kechipiri kuti adzikinure vakasara vavanhu vake, ivo vanenge vasara, vari paAsiria, neIjipiti, nePatirosi, neKushi, neErami, neShinari, neHamati, nokuzvitsuwa zvegungwa. 12Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsiraeri, nokuunganidza vaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika.
13Ipapo godo ravaEfuremu richapera, navanomanikidza vaJudha vachaparadzwa; vaEfuremu havangagodori vaJudha, navaJudha havangamanikidzi vaEfuremu. 14Asi vachabhururukira pamusoro pamafudzi avaFirisitia kumavirazuva, vachapambara pamwechete vana vamabvazuva; vachatambanudzira maoko avo kuvaEdhomu navaMoabhi, navana vaAmoni vachavateerera. 15Jehovha achaparadza chose muromo wegungwa reIjipiti, achasimudzira ruoko rwake pamusoro poRwizi nemhepo yake inopisa, ndokururova ruite hova nomwe, ayambuse vanhu vakafuka shangu. 16Vanhu vake vakasara, vakasara Asiria, vachava nenzira huru; sezvazvakaitirwa Isiraeri nezuva ravakabuda munyika yeIjipiti.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 11: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002