Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 40:1-15

Genesi 40:1-15 SNA2002

Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weIjipiti nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki. Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa. Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa. Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe kurota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomubiki vamambo weIjipiti, vakanga vakasungwa mutorongo. Zvino fume mangwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari. Akabvunza varanda vaFarao vakanga vachengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, “Nhasi makasuwa neiko?” Vakati kwaari, “Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira.” Josefa akati kwavari, “Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai henyu.” Zvino mukuru wavadiri akarondedzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, “Pakurota kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuzambiringa pakanga pana matavi matatu; ukaita sokutumbuka, ukabudisa maruva; masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva; mukombe waFarao wakanga uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruoko rwaFarao.” Josefa akati kwaari, “Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu; mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake. Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire ngoni, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino; nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.”

Verenga chikamu Genesi 40