Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 40:1-15

Mavambo 40:1-15 SCLB

Kwakati kwapera nguva yakati kuti, mukuru mukuru wamambo weIjipiti wokuona nezvewaini, nomukuru mukuru wavabiki vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. Farao akashatirirwa vashandi vake vaviri ava vanoti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki. Akavasunga akavapfigira mumba yomukuru mukuru wavachengeti vokwamambo, mujeri makanga makaiswawo Josefi muya. Mukuru mukuru wavachengetedzi iyeyo akaudza Josefi kuti avashandire. Vakagara mujeri kwenguva ndefu. Rimwe zuva vashandi vamambo weIjipiti vaviri vaya, vaiti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki vachiri mujeri kudaro, vakarota hope usiku humwechete. Mumwe nomumwe wavo akarota hope dzake dzaiva nezvadzaireva. Ava mangwanani Josefi akauya akavaona vakasuruvara. Akabvunza vashandi vaFarao ava vaiva mujeri pamwechete naye muimba yatenzi wake achiti, “Ko nhasi uno zviso zvenyu zvakati hurududu kusuwa seiko?” Vakamuti, “Tarota hope dzedu, asi tashaya munhu anogona kudzidudzira.” Josefi ndokuti kwavari, “Ko handiti kududzira hope ndokwaMwari here? Dondirondedzerai henyu ndinzwe.” Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akarondedzera Josefi hope dzake achiti, “Ndarota ndichiona mugirepisi. Mugirepisi wacho wanga una mapazi matatu. Pawangoti bukirei, wabva waburitsa tumaruva. Matsumbu awo akabva aita magirepisi akaibva. Ndanga ndakabata mukombe waFarao muruoko rwangu. Ndatora magirepisi ndikasvinira muto wacho mumukombe ndikapa Farao.” Josefi akamuti, “Hezvinoi zvadzinoreva: Mapazi matatu anoreva mazuva matatu. Kana mazuva matatu apera, Farao achatonga mhosva yenyu, agokudzoserai kubasa renyu. Ipapo muchagamuchidzazve mambo mukombe wake sezvamaiita kare somukuru mukuru wokuona nezvewaini. Asi ndinokumbira kuti muzondiyeukawo kana zvazokufambirai zvakanaka. Mundinzwire tsitsi, mundirevererewo kuna Farao, kuti ndibudiswe muno, nokuti zvechokwadi ini ndakabiwa kunyika yavaHebheru. Kunyange kuno hapana chandakatadza chingasakise kuti ndiiswe mujeri.”

Verenga chikamu Mavambo 40