Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 40

40
Josefa mutorongo
1Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weIjipiti nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. 2Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki. 3Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa. 4Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa.
5Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe kurota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomubiki vamambo weIjipiti, vakanga vakasungwa mutorongo. 6Zvino fume mangwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari. 7Akabvunza varanda vaFarao vakanga vachengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, “Nhasi makasuwa neiko?”
8Vakati kwaari, “Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira.” Josefa akati kwavari, “Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai henyu.”
9Zvino mukuru wavadiri akarondedzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, “Pakurota kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuzambiringa pakanga pana matavi matatu; 10ukaita sokutumbuka, ukabudisa maruva; masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva; 11mukombe waFarao wakanga uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruoko rwaFarao.”
12Josefa akati kwaari, “Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu; 13mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake. 14Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire ngoni, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino; 15nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.”
16Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu; 17mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabikwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswanda yaiva pamusoro wangu.”
18Ipapo Josefa akapindura, akati, “Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu; 19mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusungirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri.”
20Zvino nomusi wetatu, musi wokuzvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womukuru wavabiki pakati pavaranda vake, 21akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao; 22asi akasungirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa. 23Asi mukuru wavadiri haana kurangarira Josefa, asi akamukanganwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 40: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda