Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 28:12-15

Genesi 28:12-15 SNA2002

Akarota, akaona danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro. Akaona Jehovha amire naye, akati, “Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako; vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako. Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.”

Verenga chikamu Genesi 28