Akarota achiona manera akanga akamiswa panyika achisvika kudenga, vatumwa vaMwari vachiashandisa kukwira kudenga nokuburuka pasi. Akaonawo Tenzi amire kumusoro kwamanera acho achiti, “Ndini Tenzi, Mwari waAbhurahamu vasekuru vako naMwari waIsaki. Nyika iyoyi yaurere, ndichaipa kwauri navana vako. Vana vako vachawanda seguruva renyika, muchatekeshera kumadokero nokumabvazuva nokuchamhembe nokumaodzanyemba. Pamusana pako iwe navana vako, mhuri dzapasi pose dzichawaniswa makomborero. Chinzwa, ndichava newe ndichikuchengeta kwose kwaunenge uri. Ndichakudzosera kunyika ino nokuti handizombosiyana newe kusvikira ndaita zvandakuudza izvi.”
Verenga chikamu Mavambo 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 28:12-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo