Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 28

28
Jakobho paBheteri
1Zvino Isaka wakadana Jakobho, akamuropafadza, akamuraira, akati kwaari, “Usawana mukadzi kuvakunda veKenani. 2Simuka uende Padhanaramu, kuimba yaBhetueri, baba vamai vako, uzviwanire ikoko mukadzi kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako. 3Mwari waMasimbaose ngaakuropafadze, akuberekese vana, akuwanze, kuti uve ndudzi zhinji dzavanhu; 4akupe kuropafadzwa kwaAbhurahamu, iwe, navana vako pamwechete newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, iyo yakapiwa Abhurahamu naMwari.” 5Isaka akati Jakobho aende, akaenda Padhanaramu, kuna Rabhani, mwanakomana waBhetueri, muAramu, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakobho naEsau.
6Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati aende Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, “Usawana mukadzi kuvakunda veKenani”; 7uyezve, kuti Jakobho akateerera baba vake namai vake, akaenda Padhanaramu. 8Esau akaona kuti vakunda veKenani havana kufadza Isaka baba vake; 9Esau akaenda kuna Ishimaeri, akawedzera kuvakadzi vake, vaakanga anavo, Maharati mukunda waIshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mukadzi wake.
10Zvino Jakobho akabuda paBheerishebha, akaenda Harani, 11akasvika pane imwe nzvimbo, akavatapo usiku, nokuti zuva rakanga ravira; akatora rimwe ibwe ipapo, akaritsamira, akavata pasi ipapo. 12Akarota, akaona danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro. 13Akaona Jehovha amire naye, akati, “Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako; 14vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako. 15Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.” 16Ipapo Jakobho akapepuka pahope dzake, akati, “Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini handina kuzviziva.” 17Akatya akati, “Nzvimbo ino inotyisa seiko! Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga.”
18Jakobho akamuka mangwanani, akatora ibwe raakanga akatsamira, akarimisa kuti rive shongwe, akadira mafuta pamusoro paro; 19akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi. 20Ipapo Jakobho akapika mhiko achiti, “Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, akandipa zvokudya, ndidye, nezvokufuka, ndifuke; 21ndikadzokerazve norugare kuimba yababa vangu, Jehovha achava Mwari wangu; 22neiri ibwe, randakamisa rikava shongwe, richava imba yaMwari; nezvinhu zvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichakupai chegumi chazvo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 28: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda