Zvino Isaka wakadana Jakobho, akamuropafadza, akamuraira, akati kwaari, “Usawana mukadzi kuvakunda veKenani. Simuka uende Padhanaramu, kuimba yaBhetueri, baba vamai vako, uzviwanire ikoko mukadzi kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako. Mwari waMasimbaose ngaakuropafadze, akuberekese vana, akuwanze, kuti uve ndudzi zhinji dzavanhu; akupe kuropafadzwa kwaAbhurahamu, iwe, navana vako pamwechete newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, iyo yakapiwa Abhurahamu naMwari.” Isaka akati Jakobho aende, akaenda Padhanaramu, kuna Rabhani, mwanakomana waBhetueri, muAramu, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakobho naEsau.
Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati aende Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, “Usawana mukadzi kuvakunda veKenani”; uyezve, kuti Jakobho akateerera baba vake namai vake, akaenda Padhanaramu. Esau akaona kuti vakunda veKenani havana kufadza Isaka baba vake; Esau akaenda kuna Ishimaeri, akawedzera kuvakadzi vake, vaakanga anavo, Maharati mukunda waIshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mukadzi wake.
Zvino Jakobho akabuda paBheerishebha, akaenda Harani, akasvika pane imwe nzvimbo, akavatapo usiku, nokuti zuva rakanga ravira; akatora rimwe ibwe ipapo, akaritsamira, akavata pasi ipapo. Akarota, akaona danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro. Akaona Jehovha amire naye, akati, “Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako; vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako. Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.” Ipapo Jakobho akapepuka pahope dzake, akati, “Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini handina kuzviziva.” Akatya akati, “Nzvimbo ino inotyisa seiko! Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga.”
Jakobho akamuka mangwanani, akatora ibwe raakanga akatsamira, akarimisa kuti rive shongwe, akadira mafuta pamusoro paro; akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi. Ipapo Jakobho akapika mhiko achiti, “Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, akandipa zvokudya, ndidye, nezvokufuka, ndifuke; ndikadzokerazve norugare kuimba yababa vangu, Jehovha achava Mwari wangu; neiri ibwe, randakamisa rikava shongwe, richava imba yaMwari; nezvinhu zvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichakupai chegumi chazvo.”